88.The Overwhelming

  1. Ko mashoko ezuva remukomberedzo (rekutongwa) akasvika kwauri here
  2. Zvimwe zviso pazuva iroro zvichadupukiswa (mumoto, zviso zvevasingatendi)
  3. Kusevenza (zvakanyanya muhupenyu hwepano pasi nekunamata zvimwe kunze kwaAllah), kunetseka (muhupenyu hwamangwa nekushorwa)
  4. Vachapinda mumoto unopisa
  5. Vachapihwa kunwa kubva muchitubu chinokwata (fashaira)
  6. Vachange vasina chekudya kusara kwemuti weminzwa une muchetura
  7. Usingavagutsi kana kuvadzivirira kubva kunzara
  8. (Zvimwe) zviso pazuva iroro zvichange zvichifara
  9. Vachifadzwa nemabasa avo (akanaka nekutenda kwavo muIslaam)
  10. Mubindu (Paradhiso) repamusoro
  11. Uko kwavasinganzwi manyepo
  12. Mariri (bindu) muchange muine chitubu chinoerera
  13. Mariri (bindu) muchange muine mibhedha yakareba (zvigaro zvakasimudzwa zviri pamusoro)
  14. Uye makomichi akarongedzwa
  15. Uye mapiro akarongwa mumitsara
  16. Uye makapeti epamusoro (ose) akawaridzwa
  17. Havatarisi here ngamera masikirwo ayakaitwa
  18. Uye denga masimudzirwo arakaitwa
  19. Uye makomo kuti akamiswa sei (zvakasimba)
  20. Uye pasi kuti rakatambanudzwa sei
  21. Naizvozvo yeuchidza (Muhammad (SAW)), zvirokwazvo uri muyeuchidzi
  22. Hausi muchengetedzi wavo (Hauna masimba pamusoro pavo)
  23. Kusara kweuyo anopikisa uye osiya kutenda
  24. Uye Allah vachamutonga nemutongo wakakurisisa
  25. Zvirokwazvo, kwatiri ndiko kune kudzokera kwavo
  26. Uye zvirokwazvo, kwatiri ndiko kune kutongwa kwavo