27.The Ant

  1. Twaa – Seen. (Mavara aya ndemamwe ezvishamiso zveQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah). Idzi ndidzo ndima dzeQur’aan, uye Gwaro riri pachena
  2. Rinotungamira (kunzira yakatwasuka) uye mashoko akanaka kune vatendi (muIslaam)
  3. Avo vanoita Swalaah (Munamato), uye vanopa Zakaah (Zvipo kuvarombo), uye vane chokwadi maererano nehupenyu hwemangwana
  4. Zvirokwazvo, avo vasingatendi muhupenyu hwemangwana, takava tinonatsa mabasa avo kuti vangodzungaira (kutenderera panyika) vasingaoni
  5. Ndivo avo vachawana marwadzo akashata (Panyika). Uye muhupenyu hwemangwana vachava vanhu vakarasikirwa zvikuru
  6. Uye iwe (Muhammad (SAW)) uri kudzidziswa Qur’aan kubva kune uyo ane hungwaru hwose, ane ruzivo zvikuru
  7. Rangarira apo Musa akati kumhuri yake: “Zvirokwazvo, ndaona moto, ndichakuvigirai kubvako nyaya, kana ndichakuvigirai kubvako chitsiga chiri kubvira kuti muve munodziisa miviri yenyu.”
  8. Asi paakasvika pauri, akashevedzwa: “Akomborerwa ndeuyo ari mumoto, uye uyo ari padyo nawo! Uye akarumbidzwa ndiAllah, Tenzi venyika yose (vanhu, maJinn nezvose zviripo).”
  9. “Iwe Musa! Zvirokwazvo, ndini Allah, mukuru, ane ungwaru hwose.”
  10. “Uye kanda tsvimbo yako!” Asi paakaiona ichifamba sekunge yaiva nyoka akatendeuka achitiza, uye haana kucheuka. (Zvikanzi): “Iwe Musa! Usatya, zvirokwazvo, vatumwa havatyi pamberi pangu.”
  11. “Kusara kweuyo akatadza uye mushure mezvo akasandura zvakashata nezvakanaka, uye zvirokwazvo, ndinoregerera zvikuru, uye ndine tsitsi zhinji.”
  12. “Uye isa ruoko rwako muhapwa dzako, richabuda richipenya pasina chinorikanganisa. (Zvimwe zvezviratidzo) kubva kuzviratidzo zvipfumbamwe kuna Farawo uye nevanhu vake. Zvirokwazvo, vari vanhu vanotadza.”
  13. Asi zviratidzo zvedu pazvakauya kwavari zviri pachena kuti vaone, vakati: “Aya ndiwo mapipi ari pachena.”
  14. Uye vakazviramba nekutadza uye nekuzvitutumadza, kunyangwe moyo yavo yaiva nechokwadi nazvo (kuti zvabva kuna Allah). Saka tarisa ndeapi aiva magumo eavo vaitadza
  15. Zvirokwazvo, takapa ruzivo kuna Dawood (Davhidha) uye Sulaimaan (Soromoni), uye vese (vari vaviri) vakati: “Rumbidzo dzose uye kutendwa ndekwaAllah, avo vatisarudza pamusoro pevaranda vavo vose vanotenda!”
  16. Uye Sulaimaan (Soromoni) akagara nhaka Dawood (Davhidha) (muruzivo). Akati: “Imi vanhu! Takava tinodzidziswa rurimi rweshiri, uye takava tinopiwa zvinhu zvose. Izvi, zvirokwazvo, inyasha dziri pachena (kubva kunaAllah).”
  17. Uye pamberi paSulaimaan (Soromoni) mauto ake akaunganidzwa emaJinn, vanhu, uye shiri, uye vose vakagara vakarongeka zvekuhondo (vachienda mberi)
  18. Kusvika vasvika munzvimbo yemasvosve, rimwe remasvosve rikati: “Imi masvosve! Pindai munzvimbo dzenyu, nekuti Sulaimaan (Soromoni) nemauto ake vangakutsikai, apo pavanenge vasingazivi.”
  19. Iye Sulaimaan (Soromoni) akanyemwerera achifadzwa nemutauro waro uye akati: “Tenzi vangu! Ndipei simba uye mukana wekuti ndive ndinotenda makomborero enyu ayo amakandipa uye nevabereki vangu, uye kuti ndiite mabasa akanaka ayo anokufadzai, uye ndiisei netsitsi dzenyu pakati pevaranda venyu vakanaka.”
  20. Akatarisa shiri, akati: “Chii chiri kuitika nekuti handisi kuona Hud-hud (Chigogodza)? Kana kuti ari pakati peavo vasipo?”
  21. “Zvirokwazvo, ndichamutonga nemutongo wakaomarara, kana kuti ndichamuuraya, kunze kwekuti ondiunzira chinangwa chiri pachena.”
  22. Asi Chigogodza hachina kugarisa, (chakadzoka) chikati: “Ndawana ruzivo urwo rwausati waruziva, uye ndauya kubva kuSaba’ (Sheba) nenyaya yechokwadi.”
  23. “Ndawana mukadzi achivatonga, uye akapihwa zvinhu zvose zvinokwanisa kuitwa nemutongi (mambo) wose panyika, uye ane chigaro cheumambo chihombe.”
  24. “Ndamuwana iye nevanhu vake vachinamata zuva pachinhambwe chaAllah, uye Satani avanatsira mabasa avo kwavari, uye avatendeutsa kubva kunzira yakatwasuka, saka havana kutungamirwa.”
  25. “Havapfugamiri Allah avo vanoburitsa pachena izvo zvakavandika mumatenga uye nepanyika, uye vanoziva izvo zvamunovanza uye izvo zvamunoburitsa pachena.”
  26. “Allah, Laa ilaaha illaa Huwa (Hakuna vamwe mwari vane kodzero yekunamatwa kunze kwavo), Tenzi vechigaro chikuru!”
  27. Sulaimaan (Soromoni)) akati: “Tichaona kuti uri kutaura chokwadi here kana kuti uri weavo vanonyepa.”
  28. “Enda netsamba yangu iyi, uye wovapa, uye wobva kwavari, uye woona kuti vanoti kudini.”
  29. Mambokadzi weSaba’ (Sheba)) akati: “Imi makurukota! Zvirokwazvo, ndaunzirwa tsamba inoremekedzeka.”
  30. “Zvirokwazvo, yabva kuna Sulaimaan (Soromoni), uye zvirokwazvo iri kuti: ‘Muzita raAllah, vane nyasha, vane tsitsi.’
  31. ‘Musava munozvitutumadza kwandiri, asi huyai kwandiri muchizvipira kuna Allah (semaMuslim).’”
  32. Akati: “Imi makurukota! Ndipei pfungwa dzenyu panyaya yangu iyi. Handitongi nyaya kusvikira imi mavapo pandiri (mandipa pfungwa dzenyu).”
  33. Vakati: “Tine simba rakawanda, uye tinogona hondo zvakanyanya, asi zviri kwamuri kupa mutongo. Saka fungai ndeupi mutongo wamuchapa.”
  34. Akati: “Zvirokwazvo madzimambo, kana vapinda muguta (munyika) vanoiparadza, uye voita vanhu vanoremekedzwa pakati pavo vanhu vepasi pasi. Saizvozvo vanoita.”
  35. “Asi zvirokwazvo, ndichavatumira chipo, uye ndoona kuti vatumwa vanodzoka nei.”
  36. Saka vatumwa pavakasvika kuna Sulaimaan (Soromoni), akati: “Munondibatsira nehupfumi? Izvo Allah zvavakandipa zvikuru (zviri nani) kune izvo zvavakakupai! Asi imi munofadzwa nechipo chenyu!”
  37. Sulaimaan (Soromoni) akati kumukuru wevatumwa vake): “Dzokera kwavari! Isu zvirokwazvo, tichauya kwavari nehondo (mauto) ayo avasingakwanisi kurwisa, uye tichavaburitsa kubva kwairi vachidzikisirwa, uye vachinyadziswa.”
  38. Akati (Sulaimaan): “Imi makurukota! Ndiyani pakati penyu angauya nechigaro chake vasati vauya kwandiri vachizvipira nekuteerera?”
  39. Ifreet (Jinn rakasimba) kubva kumaJinn rakati: “Ndinouya nacho kwamuri imi musati masumuka panzvimbo yenyu. Uye zvirokwazvo, ndine simba uye ndinovimbika pabasa rakadai.”
  40. Umwe aiva neruzivo rweGwaro akati: “Ndinouya nacho kwamuri musati mabhwaira meso enyu!” Saka (Sulaimaan (Soromoni)) paakaona chava mberi kwake, akati: “Izvi kuda kwenyasha dzaTenzi vangu, kuti vaone kuti ndinotenda (zvakanaka) kana kuti handitendi! Uye uyo anotenda, zvirokwazvo, kutenda kwake kwakamunakira iye pachezvake; uye uyo asingatendi (kusatenda kwake kurasikirwa iye pachezvake). Zvirokwazvo, Tenzi vangu vakapfuma, uye vanopa zvizhinji.”
  41. Akati: “Chisandurei (chigaro) zvimwe zvinhu kuti tione kuti achatungamirirwa (achachiziva) here, kana kuti achava weavo vasina kutungamirirwa.”
  42. Saka paakauya (mambokadzi), zvakanzi (kwaari): “Chigaro chako chakadai here?” Akati: “Zvinenge zvakafanana.” Uye (Sulaimaan (Soromoni) akati): “Ruzivo rwakaunzwa kwatiri iye asati apihwa, uye taiva vanozvipira kuna Allah (semaMuslim).”
  43. Uye icho chaainamata achisiya Allah chakamudzivirira (kutenda muIslaam), uye aiva weavo vasingatendi
  44. Zvakanzi kwaari: “Pinda muAs-Sarh (imba yemagirazi ane mvura inoerera pasi pawo).” Asi paakaiona akafunga kuti chaiva chitubu, uye (akasimudza hembe) akavhura makumbo ake. (Sulaimaan (Soromoni) akati): “Zvirokwazvo, iSarh (Imba yemagirazi ane mvura inoerera pasi pawo).” Akati (Mambokadzi): “Tenzi vangu! Zvirokwazvo, ndazvitadzira, uye ndinozvipira muIslaam, pamwechete naSulaimaan (Soromoni) kuna Allah, Tenzi venyika yose (vanhu, maJinn nezvese zviripo).”
  45. Uye zvirokwazvo kumaThamood takatumira mukoma wavo Swaalih achiti: “Namatai Allah (voga).” Uye tarisai! Vakava mapoka maviri achikakavadzana pakati pavo
  46. Akati: “Imi vanhu vangu! Sei muchimhanyira kutsvaga zvakaipa zvakanaka musati mazvitsvaga? Sei musingatsvagi ruregerero rwaAllah, kuti muve munowana tsitsi?”
  47. Vakati: “Tinoona kuti une munyama neavo vanewe.” Akati: “Zvakaipa zvenyu zvina Allah, asi muri vanhu varikuedzwa.”
  48. Uye muguta maiva nevarume vapfumbamwe (kubva kuvana vemadzimambo avo) vaiita zvakashata munzvimbo, uye havana kumbozvishandura
  49. Vakati: “Pikai naAllah umwe kune umwe kuti tichauraya muchivande usiku iye (Swaalih) uye nemhuri yake, uye mushure mezvo tichati kune hama dzake: ‘Hatina kumboona kufa kwake iye nemhuri yake, uye zvirokwazvo, tirikutaura chokwadi.’”
  50. Saka vakaronga urongwa, uye isu takaronga urongwa, ivo vasingazivi
  51. Uye ona kuti magumo eavo vakaronga aiva akaita sei! Zvirokwazvo, takavaparadza ivo nevanhu vavo pamwechete
  52. Idzi ndidzo dzimba dzavo dzakaparadzwa zvachose nekuda kwekutadza kwavo. Zvirokwazvo, umu mune chidzidzo kuvanhu vanoziva
  53. Uye takadzivirira avo vanotenda uye vaitya Allah, uye vachiita mabasa vachifadza ivo
  54. Uye (rangarirai) Loti paakati kuvanhu vake: “Munoita here zvivi (chingochani) muchiona (zviri pachena)?”
  55. “Munoita here chidaka chenyu (chevakadzi) kuvarume muchisiya vakadzi? Zvirokwazvo, muri vanhu vasingazivi vanotadza.”
  56. Hapana imwe mhinduro yaakapihwa nevanhu vake kusara kwekuti vakati: “Buritsai Loti nemhuri yake kubva muguta renyu. Zvirokwazvo, ava vanhu vanoda zvekuchena!”
  57. Saka takamununura iye nemhuri yake kusara kwemukadzi wake. Takamunyorera kuti ave weavo vakasara shure
  58. Uye takaita kuti mvura (yematombo) inaye pavari. Iyo yaiva yakashata kune avo vange vayambirwa
  59. Taura kuti (Muhammad (SAW)): “Kurumbidzwa kwose uye kutendwa ndekwaAllah, uye runyararo ngaruve kune varanda avo vavakasarudza (kuti vatambire mashoko avo)! NdiAllah here vari nani kana kuti izvo zvavanovasanganisa nazvo?”
  60. Havasi here ivo vakasika matenga nepasi, uye vanotumira mvura kubva kudenga, tinoita nayo kuti mapindu akure murunako nemuyevedzo? Hazvizvi mukugona kwenyu kukudza miti yavo. Kune here umwe mwari naAllah? Kwete, asi vari vanhu vanobatanidza zvimwe zvinamatwa (navo)
  61. Havasi here ivo vakagadzira pasi sechinhu chakagadzikwa, uye vakave vanoisa nzizi pakati paro, uye vakadzika makomo mariri, uye vakaisa muganhu pakati pemakungwa maviri (rine mvura inovava uye rimwe rine mvura inotapira)? Kune here mumwe mwari naAllah? Kwete, asi vazhinji vavo havazivi
  62. Havasi here ivo vanodavira uyo anenge akasurukirwa, apo anovadana, uye ndivo vanobvisa zvakaipa, uye vanokuitai vagari venhaka yepasi? Kune here mumwe mwari naAllah? Zvishoma ndizvo zvamunorangarira
  63. Havasi here ivo vanokutungamirai murima repasi nemugungwa, uye vanotumira mhepo senhau yakanaka pamberi petsitsi dzavo (mvura)? Kune here mumwe mwari naAllah? Allah varipamusoro peizvo zvavanovabatanidza nazvo
  64. Havasi here ivo vanosika zvisikwa, uye vachave vanozvidzokorora, uye vanokupai raramo kubva kudenga nepasi? Kune mumwe mwari here naAllah? Taura kuti: “Hunzai humboo hwenyu kana muri pachokwadi.”
  65. Taura kuti: “Hapana mumatenga nepasi anoziva zvisingaoneki kunze kwaAllah, uye havazivi apo vachave vanomutswa.”
  66. Kwete, havana ruzivo rwehupenyu hwemangwana, asi havagutsikane nawo. Kwete, vari mapofu (murima) pamusoro pawo
  67. Uye avo vasingatendi vanoti: “Kana tave huruva isu nemadzibaba edu, zvirokwazvo tichaunzwa (zvakare) here?”
  68. “Zvirokwazvo takavimbiswa izvi isu nemadzitateguru edu mushure (medu), zvirokwazvo, hapana zviripo kunze kwengano dzekare.”
  69. Taura (Muhammad (SAW)) kwavari: “Fambai munyika uye muone akave magumo evairamba (vatadzi).”
  70. Usava unoshungurudzika pamusoro pavo, kana kutsutsumwa nemhaka yezvavanoronga
  71. Uye avo (vasingatendi) vanoti: “Ndirinhi (apo) vimbiso iyi (ichazadziswa), kana muri pachokwadi?”
  72. Taura: “Dzimwe dzenguva zvamunoshuvira kuti zvikasike zviri pedyo mumashure menyu.”
  73. “Zvirokwazvo, Tenzi vako vakazara netsitsi kuvanhu, asi vakawanda vavo havatendi.”
  74. Uye zvirokwazvo, Tenzi vako vanoziva zvakahwanda zviri muhana dzavo uye zvavanoburitsa
  75. Uye hapana chakavanzika mumatenga uye nepasi, asi kuti zviri muGwaro rakajeka (Al-Lauh Al- Mahfoodh)
  76. Zvirokwazvo, Qur’an iri rinotaura kuvana veIzrairi izvo zvakawanda zvavanosiyana
  77. Uye zvirokwazvo, inhungamiri (Qur’aan iri) uye netsitsi kuvatendi
  78. Zvirokwazvo, Tenzi vako vachatonga pakati pavo nemutongo wavo. Uye ndivo mukuru, muzivi wezvose
  79. Saka isa vimbo yako kuna Allah; zvirokwazvo, uri (Muhammad (SAW)) pachokwadi chiri pachena
  80. Zvirokwazvo, haungaite kuti vafi vanzwe kana kuti vanamatsi vanzwe kushevedza, apo pavanotiza, vachipira misana yavo
  81. Kana kutungamira mapofu kubva mukurasika. Unongokwanisa kuti vanzwe avo vanotenda muzvidzidziso zvedu, uye neavo vakazvipira (maMuslim)
  82. Uye kana shoko (redambudzo) razadziswa kwavari, tichaunza kubva pasi mhuka kwavari, ichitaura navo nemhosva yokuti vanhu havatendi muhuchokwadi hwendima dzedu
  83. Uye zuva ratichaunganidza kubva murudzi rwega rwega chikwata chairamba ndima dzedu, uye vachave vanoendeswa (vanotinhirwa) (kunzvimbo yemutongo)
  84. Kusvikira, apo vachasvika (pamberi paTenzi vavo panzvimbo yemutongo), vachati (Allah): “Mairamba here ndima dzangu apo maisadzinzwisisa neruzivo (rwechokwadi chadzo kana manyepo), kana chiii (chimwe) chamaiita?”
  85. Uye shoko (redambudzo) richazadziswa kwavari nemhaka yekuti vakaita zvakaipa, uye havazokwanisi kutaura (kuti vazvidzivirire)
  86. Havaoni here kuti takaita husiku kuti vave vanozorora mauri, uye zuva sechioneso? Zvirokwazvo, mazviri mune zviratidzo kuvanhu vanotenda
  87. Uye pazuva iro hwamanda icharidzwa, uye vose varimumatenga nepasi vachatya kunze kweuyo Allah vachasarudza. Uye vose vachauya kwavari vakazvininipisa
  88. Uye uchaona makomo wofunga kuti akagwinya, asi achadarika semadarikiro emakore. Basa raAllah, avo vakatsetsenura zvose. Zvirokwazvo, vane ruzivo rwezvese zvamunoita
  89. Uyo anounza chakanaka (Islaam), achawana chiri nani kupfuura hukoshi hwacho; uye vachange vakachengetedzeka kubva kukutya kwezuva iroro
  90. Uye uyo anounza chakaipa (kusatenda nezvitadzo), vachakandwa nezviso zvavo mumoto. (Zvichanzi kwavari): “Muri kupuhwa chimwe chinhu here kunze kweizvo maiita?”
  91. Ndakarairwa (ini Muhammad (SAW)) kuti ndinamate Tenzi veguta rino (Makkah), avo vakariyeresa uye ndivo muridzi wezvose. Uye ndakarairwa kuti ndive pakati pemaMuslim (vanozvipira kuna Allah)
  92. Uye kuti ndiverenge Qur’aan. Saka uyo anenge agamuchira gwara, anogamuchira munezvakanaka pachake; uye uyo anorasika, iva unoti (kwaari): “Ndingori mumwe wevayambiri.”
  93. Uye iva unoti (Muhammad (SAW)): “Kurumbidzwa kwose nekutendwa ndekwa Allah; vachakuratidzai micherechedzo yavo (panyika kana zvirango), uye muchaiziva. Uye Tenzi vako hapana chavasingazivi kubva kune zvamunoita.”