26.The Poets

  1. Twaa – Seen – Meem. (Mavara aya ndemamwe ezvishamiso zviri muQur’aan, uye hapana anoziva zvaanoreva kunze kwaAllah)
  2. Idzi ndidzo ndima dzeGwaro riri pachena (Qur’aan iri, iro rakavimbiswa naAllah muTorah neVhangeri)
  3. Zvimwe (Muhammad (SAW)) ungazviuraye nokuchema nokuti havazi vatendi (muIslaam)
  4. Kana tichida, tinovatumira kubva kudenga chiratidzo icho chokuti huro dzavo dzinoramba dzakakotama (vachizvininipisa)
  5. Uye yambiro haiuyi kwavari semashoko matsva kubva kumupi wenyasha, kusara kwekuti vanowafuratira
  6. Asi zvirokwazvo vanoramba (chokwadi chemuGwaro reQur’aan), uye mashoko eizvo zvavaidzikisira (zvavaiseka) achauya kwavari
  7. Havatarisi kune nyika here – zvingani zvatinoburitsa kubva mairi kubva kuchinhu chose chakanaka (chakakomborerwa)
  8. Zvirokwazvo, mazviri mune chiratidzo, asi vazhinji vavo havatendi (muna Allah)
  9. Uye zvirokwazvo, Tenzi vako, chokwadi ndivo vari pamusoro-soro, uye vane tsitsi zhinji (kupinda zvose)
  10. Uye (rangarira) apo Tenzi vako vakadana Musa (vachiti): “Enda kune vanhu vanoita mabasa akashata.”
  11. “Vanhu vaFarawo. Havatyi (Allah) here uye vova vanhu vakanaka?”
  12. (Musa) akati: “Tenzi vangu! Zvirokwazvo, ndinotya kuti vangandiramba.”
  13. “Uye hana yangu inhete (haina kusimba), uye rurimi rwangu runokakama. Saka tumirai kuna Haaroon (Aroni, kuti ave anoenda neni).”
  14. “Uye vane mutongo wemhosva yangu, saka ndinotya kuti vangandiuraye.”
  15. (Allah) vakati: “Kwete! Endai muri vaviri nezviratidzo zvedu. Zvirokwazvo, tichave tinemi tichiteerera.”
  16. “Uye endai mose muri vaviri kuna Farawo monoti (kwaari): ‘Tiri vatumwa vaTenzi vepasi rose.’”
  17. (Tatumwa kuti tikuudze kuti): “Titumire vana vaIzirairi tiende navo.”
  18. (Farawo) akati: “Hatina kukuchengeta here pakati pedu uri kamwana? Ukagara nesu kwemakore mazhinji ehupenyu hwako.”
  19. “Uye wakaita zvawakaita (zvekuuraya munhu), uye uri veavo vasingatendi.”
  20. (Musa) akati: “Ndakazviita izvi ndichiri weavo vanhu vakarasika.”
  21. “Saka ndakatiza kubva kwamuri nekuda kwekukutyai. Asi Tenzi vangu vakandipa mutongo (ungwaru uye nehuporofita), uye vakandiita umwe wevatumwa.”
  22. “Urwu ndirwo rubatsiro rwavakandiitira kare rwaunondirangaridza, asi iwe uchiita varanda (nekudzvanyirira) vana vaIzirairi.”
  23. Farawo akati: “Uye chii Tenzi vepasi rose (vanhu, nemaJinn nezvose zviripo)?”
  24. (Musa) akati: “Tenzi vepasi nekudenga, nezvose zviri pakati pazvo, kana uchida kunyatsotenda.”
  25. (Farawo) akati kune avo vakamutenderedza (makurukota ake anenge akagara navo samambo): “Muri kunzwa here zvaari kutaura?”
  26. (Musa akataura) akati: “Tenzi venyu uye Tenzi vemadzitateguru enyu!”
  27. (Farawo) akati: “Zvirokwazvo, mutumwa wenyu uyo atumirwa kwamuri anopenga (anorwara nepfungwa)!”
  28. (Musa) akati: “Tenzi vekumabvazuva uye kumavirira (Madokero), uye zvose zviri pakati pavo, ndokunge kana muchinzwisisa!”
  29. (Farawo) akati: “Kana mukatora umwe mwari muchisiya ini, zvirokwazvo, ndinokuita umwe wevasungwa.”
  30. (Musa) akati: “Nyangwe ndakuvigira chinhu chiri pachena?”
  31. (Farawo) akati: “Uya nacho, kana uri umwe weavo vanotaura chokwadi!”
  32. Saka (Musa) akakanda tsvimbo yake pasi, uye nechinguva chisipi yakava nyoka mhenyu iri pachena
  33. Uye akaburitsa ruoko rwake (kubva muhapwa), uye rwaivaima kune avo vose vaiona
  34. (Farawo) akati kune makurukota akanga aripo akamutenderedza: “Zvirokwazvo, uyu munhu anoziva mapipi zvikuru.”
  35. “Ari kuda kukubvisai munyika menyu nekuda kwemapipi ake, saka munoraira chii?”
  36. Vakati: “Chimbomudzorera zvishoma nemukoma wake, uye wotumira vadaidzi kumaguta ese vachidaidza.”
  37. “Kuti vakuvigire muzivi zvakanyanya wese wemapipi.”
  38. Nokudaro vazivi vemapipi vakaunganidzwa nenguva yakatarwa pazuva rakatarwa
  39. Uye zvakanzi kuvanhu: “Muchava munounganawo here?”
  40. “Kuti tive tinotevera n’anga (vaiti vemapipi) kana vave vanokunda.”
  41. Saka n’anga padzakasvika dzakataura kuna Farawo kuti: “Zvirokwazvo, tichave nomubairo here kana tave tinokunda?”
  42. (Farawo) akati: “Hongu, uye muchave zvirokwazvo avo vanogara pedyo neni.”
  43. Musa akati kwavari: “Kandai (tione) izvo zvamurikuda kukanda!”
  44. Nokudaro vakakanda tambo dzavo uye zvitanda (tsvimbo) dazvo, uye vakati: “Nesimba raFarawo, zvirokwazvo tisu tichave tinokunda!”
  45. Uye Musa akakanda tsvimbo yake (pasi), uye yakamedza zvose zvamanyepo zvavairatidza
  46. Uye vaiti vemapipi vose vakabva vapfugama pasi
  47. Vachiti: “Tinotenda muna Tenzi vepasi rose (vanhu, maJinn nezvose zviripo).”
  48. “Tenzi vaMusa naHaaroon (Aroni).”
  49. Farawo akati: “Munotenda maari ndisati ndakupai mvumo. Zvirokwazvo, uyu ndiye mukuru wenyu akakudzidzisai mapipi? Nekudaro zvirokwazvo, muchazvia zvenyu. Zvirokwazvo, ndichadambura maoko enyu uye makumbo enyu kumativi akapesana (ruoko rwerudyi negumbo rekuruboshwe kana kupindura), uye ndichakurovererai mose pamuchinjikwa.”
  50. Vakati: “Hapana chakaipa! Zvirokwazvo, kuna Tenzi vedu tichava tinodzokera.”
  51. “Zvirokwazvo, tinovimba kuti Tenzi vedu vachatiregerera zvitadzo zvedu sezvo tiri vekutanga kutenda (muIslaam uye muna Musa naHaaroon (Aroni)).”
  52. Uye takave tinodzikisa kuna Musa kuti: “Famba husiku nevaranda vangu (kubva kuna Farawo), asi zvirokwazvo muchateverwa.”
  53. Farawo akatumira vadani mumaguta ose
  54. (Achiti): “Zvirokwazvo, vanhu ava kaboka kadiki.”
  55. “Uye zvirokwazvo, vaita zvinhu zvatigumbura.”
  56. “Asi zvirokwazvo, tisu tose takaungana nekuyambirwa.”
  57. Saka takavadzinga kubva mumapindu uye zvitubu
  58. Hupfumi, uye nzvimbo dzose dzakarurama
  59. Nokudaro takaita kuti vana vaIzirairi vave vanogara nhaka yavo
  60. Saka vakavatevera panguva yekubuda kwezuva
  61. Mapoka maviri aya paakaonana, vanhu vaMusa vakati: “Zvirokwazvo, tava kuzobatwa zvino.”
  62. (Musa) akati: “Hazviiti. Zvirokwazvo, Tenzi vangu vaneni. Vachava vanonditungamira.”
  63. Takava tinodzikisa kuna Musa (kuti): “Rova nyanza netsvimbo yako.” Uye yakapatsanuka, uye mafasho (emvura) akasiyana-siyana akaita kunge mazikomo mahombe
  64. Takave tinounza vamwe (vanhu vaFarawo) padyo nenzvimbo iyoyo
  65. Uye takanunura Musa neavo vaiva naye
  66. Uye takave tinonyudza vamwe (Farawo nevanhu vake)
  67. Zvirokwazvo, umu (munyaya yaFarawo naMusa) mune chiratidzo, asi vazhinji vavo havatendi
  68. Uye chokwadi, Tenzi vako (Muhammad (SAW)), zvirokwazvo ndivo vakurusa, uye vane tsitsi zhinji
  69. Uye vaverengere nyaya yaIbrahim (Abrahamu)
  70. Apo paakati kuna baba vake uye vanhu vake: “Munonamatei?”
  71. Vakati: “Tinonamata zvidhori, uye takazvipira kwazviri.”
  72. Ibrahim (Abrahamu)) akati: “Zvinokunzwai here kana manamata kwazviri?”
  73. “Kana (kuti) zvinokubatsirai here kana kukukuvadzai?”
  74. Vakati: “Asi takawana madzibaba edu achiita zvakadai.”
  75. Ibrahim (Abrahamu)) akati: “Munoona here izvo zvamunonamata.”
  76. “Imi nemadzibaba enyu?”
  77. “Zvirokwazvo vavengi vangu kusara kwaTenzi vepasi rose (vanhu, maJinn nezvese zviripo).”
  78. “Vanova vakandisika, uye ndivo vanonditungamira.”
  79. “Uye ndivo vanondipa kudya, uye vanondipa zvekunwa.”
  80. “Uye kana ndichirwara, ndivo vanondiporesa.”
  81. “Uye vachandiita kuti ndife, uye vachandiita kuti ndive mupenyu zvakare.”
  82. “Uye avo vandovimba kuti vachandiregerera zvivi zvangu pazuva rekutongwa.”
  83. “Tenzi vangu! Ndipeiwo ungwaru, uye ndiisei pavaranda avo vakanaka.”
  84. “Uye ndiitei nditaurwe zvakanaka pamusoro pangu pamapoka evanhu achatevera.”
  85. “Uye ndiitei umwe wevagari venhaka yeParadhiso yemufaro.”
  86. “Uye regererai baba vangu, zvirokwazvo, vanova vakarasika.”
  87. “Uye musava munondinyadzisa pazuva iro (zvipuka zvose) zvichamutswa.”
  88. “Zuva iro rokuti upfumi kana vana havabatsiri (hazvishandi kuti wakapfuma here kana kuti une vana vakawanda).”
  89. “Kusara kweuyo achauya kuna Allah nemoyo wakachena (kubva mukusatenda nehunyengedzi).”
  90. Uye paradhiso ichaiswa pedyo peavo vanotya (Allah) vachiita mabasa akanaka (Tarisai Qur’aan)
  91. Uye Gehena richaburitswa pachena pamberi pevanhu vaiita mabasa akashata
  92. Uye zvichanzi kwavari: “Varipiko avo (vanamwari venhema vamaifananidza naAllah) vamainamata.”
  93. “Kunze kwaAllah? Vanokwanisa here kukubatsirai kana kuzvibatsira pachavo?”
  94. Vachakandwa mumoto vachitanga nezviso zvavo, ivo nemaGhaawoon (vanaSatani, uye vanhu vakarasika)
  95. Vachange vari vose nemauto aIblees (Satani)
  96. Vachati vavemo vachipokana
  97. “Tinopika naAllah, chokwadi taive takarasika zviri pachena.”
  98. “Apo pataikufananidzai (pakunamata) naTenzi vepasi rose.”
  99. “Uye hapana munhu akatirasisa kunze kwemaMujrimoon (vanaSatani uye vanhu vaitadza).”
  100. “Iye zvino hatina vamiriri.”
  101. “Kana shamwari yepedyo.”
  102. “Kana tikawana mukana wekudzokera (Panyika), tichava zvirokwazvo pakati peavo vanotenda!”
  103. Zvirokwazvo, mune zvose izvi mune chiratidzo, asi vazhinji vavo havatendi
  104. Uye zvirokwazvo, Tenzi vako ndivo vane simba rakawanda, vane tsitsi zhinji
  105. Vanhu vaNowa vakaramba vatumwa (Kuramba mutumwa mumwechete kuramba vese)
  106. Apo mukoma wavo Nowa paakati kwavari: “Hamutye Allah nekuvateerera?”
  107. “Ndiri mutumwa wechokwadi anovimbika kwamuri.”
  108. “Saka ityai Allah, mova munochengetedza mirairo, uye mova munoteerera ini.”
  109. “Handina mubairo wandinoda kubva kwamuri weizvi (Islaam); mubairo wangu haubvi kuna ani kunze kwaTenzi vepasi rose.”
  110. “Saka chengetedzai mirairo yaAllah, movatya, uye mova munonditeerera.”
  111. Vakati: “Tingatenda mauri ivo varombo (vanhu vari pasi pasi) vachikutevera?”
  112. Akati: “Uye ndorwupi ruzivo rwandinarwo rezvavaiita?”
  113. “Kutongwa kwavo kuna Tenzi vangu, kana muchiziva.”
  114. “Uye handingadzingi vatendi.”
  115. “Ini ndiri muyambiri chete ari pachena.”
  116. Vakati (kuna Nowa): “Iwe Nowa! Ukaramba uchiita izvozvo, zvirokwazvo, uchava veavo vachatemwa nemabwe (kusvikira rufu).”
  117. (Nowa) akati: “Tenzi vangu! Zvirokwazvo, vanhu vangu vave vanondiramba.”
  118. “Nekudaro ivai mutongi pakati pangu navo, uye ivai munondinunura uye nevatendi vaneni.”
  119. Uye takave tinomununura nevose vaakanga ainavo mungarava yakatakura
  120. Takabva tanyudza vose vakanga vasara (vasina kupinda mungarava)
  121. Zvirokwazvo! Umu mune chiratidzo, asi vazhinji vavo havatendi
  122. Uye zvirokwazvo, Tenzi vako ndivo chokwadi vakurusa, uye vane tsitsi zhinji
  123. MaAad (vanhu vaHud) vakaramba vatumwa (Kuramba mutumwa mumwechete kuramba vese)
  124. Apo mukoma wavo Hud akataura kwavari kuti: “Hamutyewo Allah here?”
  125. “Zvirokwazvo ndini mutumwa akavimbika kwamuri.”
  126. “Saka ityai Allah uye moteerera ini.”
  127. “Handina mubairo wandinobvunza kubva kwamuri weizvi. Mubairo wangu haubvi kuna ani kunze kwaTenzi vepasi rose.”
  128. “Munovaka dzimba panzvimbo yese yakakwirira asi musingadzigari?”
  129. “Uyezve mungatore (mungavake) dzimba (dzikuru dzakanaka) sezvinonzi muchagaramo zvachose?”
  130. “Uye kana muchibata (mumwe munhu), munobata zveutsinye?”
  131. “Saka ityai Allah, uye mova munonditeerera.”
  132. “Uye ityai avo vakakupai zvose izvo zvamunoziva.”
  133. “Vakakupai zvipfuwo nevana.”
  134. “Uye mapindu nezvitubu.”
  135. “Zvirokwazvo, ndinokutyirai marwadzo ezuva guru (zuva rekutongwa).”
  136. Vakati: “Zvakafanana kwatiri kutiudza kana kusatiudza.”
  137. “Idzi ndidzo nyaya dzevanhu vekutanga (vekare).”
  138. “Uye isu hatisi kuzombotongwa (kuzomborangwa).”
  139. Saka vakamuramba, uye tikavaparadza. Zvirokwazvo, mune izvi mune chidzidzo, asi vazhinji vavo havatendi
  140. Uye zvirokwazvo, Tenzi vako ndivo chokwadi vakuru, uye vane tsitsi zhinji
  141. Uye maThamood vakaramba vatumwa (Kuramba mutumwa mumwechete kuramba vese)
  142. Rangarirai mukoma wavo Swaalih paakati kwavari: “Hamutyi Allah here?”
  143. “Ndini mutumwa anovimbika kwamuri.”
  144. “Saka ityai Allah, uye monditeerera.”
  145. “Uye handidi mubairo kwamuri weizvi; mubairo wangu hausi kuna ani kunze kwaTenzi venyika yose.”
  146. “Muchasiiwa here makasununguka (makachengetedzeka) nezvamuinazvo pano?”
  147. “Mumapindu nezvitubu.”
  148. “Uye zvirimwa zvakasvika uye madheti akapfava.”
  149. “Uye munoveza mumakomo dzimba nehunyanzvi hukuru.”
  150. “Saka ityai Allah, chengetedzai basa renyu kwavari, uye monditeerera.”
  151. “Uye musava munoteerera mirairo yemaMusrifoon (vatadzi, mhondi, vatungamiriri vezvose zvakaipa).”
  152. “Avo vanoita huori munyika, uye havaiiti zvakanaka.”
  153. Vakati: “Iwe uri weavo vakaroiwa!”
  154. “Iwe uri munhu akafanana nesu. Tipe chiratidzo kana uri munhu anotaura chokwadi.”
  155. Akabva ati: “Heyo ngamera hadzi iyo. Ine kodzero yekunwa mvura, uye imi mune kodzero yekunwa mvura pazuva rinozivikanwa (zvijana zvekunwa mvura).”
  156. “Uye musava munoibata (ngamera hadzi) zvakaipa muchiikuvadza, nekuti marwadzo ezuva guru achava anokubatai (anokuwirai).”
  157. Asi vakaiuraya, asi vakazova vadembi
  158. Saka vakava vanosangana nemarwadzo. Zvirokwazvo, uyu ndiwo muenzaniso, asi vazhinji vavo havatendi
  159. Uye zvirokwazvo, Tenzi vako, ndivo chokwadi vane masimba ose, netsitsi dzose
  160. Vanhu vaLoti vakaramba vatumwa (Kuramba mutumwa mumwechete kuramba vese)
  161. Apo mukoma wavo Loti akati: “Hamutyi Allah nekuvateerera here?”
  162. “Zvirokwazvo, ndiri mutumwa akavimbika kwamuri.”
  163. “Saka ityai Allah, chengetedzai mirairo yavo, uye nditeererei.”
  164. “Handina mubairo wandinobvunza kwamuri weizvi, asi mubairo wangu hausi kuna ani kunze kwaTenzi vepasi rose.”
  165. “Munoenda kuvarume vose.”
  166. “Uye muchisiya avo vamakasikirwa naAllah sevakadzi venyu? Zvirokwazvo, muri vanhu vanopfurikidza mirairo!”
  167. Vakabva vati (kuna Loti): “Iwe Loti! Chokwadi, ukaramba uchidaro, zvirokwazvo, uchava umwe wevanhu vatichadzinga (mudunhu redu)!”
  168. Akabva ati: “Ndiri mumwe wevanhu avo vanopokana nemi nekugumbuka zvakanyanya nezvamunoita zvakashata (Chingochani).”
  169. “Tenzi vangu! Ndichengetedzei ini nemhuri yangu kubva kune zvavanoita.”
  170. Saka takamununura nemhuri yake yese
  171. Kusara kwechembere (mukadzi wake) akava weavo vakasara (muguta)
  172. Mushure mezvo takaparadza vamwe vose
  173. Uye takava tinovatumira marwadzo ainaya. Uye kunaya kwacho kwaiva kwakashata kune avo vakayambirwa
  174. Zvirokwazvo, umu mune chiratidzo, asi vazhinji vavo havatendi
  175. Uye zvirokwazvo, Tenzi vako, vane chokwadi masimba ose, uye vane tsitsi dzose
  176. Vagari veAl-Aikah (Nzvimbo iri pedyo neMadyan) vakaramba vatumwa (Kuramba mutumwa mumwechete kuramba vese)
  177. Apo Shuaib akati kwavari: “Hamutyi Allah here?”
  178. “Ndiri mutumwa akavimbika kwamuri.”
  179. “Saka ityai Allah, chengetedzai basa renyu kwavari, uye nditeererei.”
  180. “Handina mubairo wandinobvunza kwamuri weizvi, asi mubairo wangu hausi kuna ani kunze kwaTenzi vepasi rose.”
  181. “Ipai (vanhu) zvierwa zvakazara, uye musava munoderedza.”
  182. “Uye ivai munopima zviri pachokwadi uye zvakaenzana.”
  183. “Uye musava munobira vanhu nekudzikisa zvinhu zvavo, kana kuita zvakashata, kuita huori nehuumambara munyika.”
  184. “Uye ivai munotya avo vakakusikai (Allah) nemadzitateguru.”
  185. Vakabva vati: “Uri mumwe weavo vakaroiwa!”
  186. “Uye uri munhu akafanana nesu, uye zvirokwazvo, tinofunga kuti uri mumwe wevanyepi!”
  187. “Saka ita kuti zvidimbu zvidimbu zvedenga zvitidonhere, kana uri mumwe weavo vanotaura chokwadi!”
  188. Akabva ati: “Tenzi vangu ndivo muzivi mukuru wezvamunoita.”
  189. Asi vakaramba kutenda maari, saka marwadzo ezuva remvuri (gore rakasviba) akavabata. Zvirokwazvo, aiva marwadzo ezuva guru
  190. Zvirokwazvo, mune zvose izvi mune chiratidzo, asi vazhinji vavo havatendi
  191. Uye zvirokwazvo Tenzi vako, ndivo chokwadi vane masimba ose, netsitsi dzose
  192. Uye zvirokwazvo, aya mashoko (Qur’aan) akadzikiswa naTenzi vepasi rose
  193. Ayo akauya nemweya (Rooh) unovimbika (Jibreel – Gabriel (AS)
  194. Mumoyo mako (Muhammad (SAW)) kuti ugova muyambiri
  195. Mururimi rwechiArabhu rwuri pachena
  196. Uye zvirokwazvo, rakataurwa (Qur’aan) muMagwaro (Torah neVhangeri) evanhu vekutanga
  197. Hachisi chiratidzo kwavari here kuti vakadzidza vevana vaIzirairi (saAbdullah Ibn Salaam) vanoriziva (kuti ichokwadi)
  198. Uye dai takaridzikisa (Qur’aan) kune asiri wechiArabhu
  199. Uye ori verenga kwavari, vaisatenda mariri
  200. Saka takaita kuti zvipinde (zvigare) mumoyo yevatadzi (kuramba Qur’aan)
  201. Havatendi mariri kusvikira vaona marwadzo
  202. Achauya kwavari nekuchimbidza, vasingatarisiri
  203. Apo vachataura kuti: “Hatingambomisirwi here (kuparadzwa)?”
  204. Vanoda here kuti marwadzo edu akurumbidze
  205. Funga! Nyangwe tikaita kuti vafare kwemakore
  206. Uye mushure mezvo kouya kwavari izvo zvavakavimbiswa
  207. Zvose izvo zvaivafadza hazvizovadziviriri
  208. Uye hatina kuparadza dunhu kusara kwekuti range rine vayambiri
  209. Sekurangaridza, uye hatina kumbova vadzvanyiriri
  210. Uye haasi maShayaatween (vanasatani) akaridzikisa (Qur’aan) pasi
  211. Uye hazvienderani navo uye havazvikwanisi
  212. Zvirokwazvo, vakaendeswa kure kuti vasarinzwe
  213. Saka musava munodaidza vanamwari vamwe naAllah, nokuti mungava veavo vanowana marwadzo
  214. Uye yambira rudzi rwako (Muhammad (SAW)) kubva kuhama dzepadyo
  215. Uye iva netsitsi uye kuzvininipisa kune vatendi vanokutevera
  216. Uye kana vakasakuteerera, taura kuti: “Ndakachena kubva kune izvo zvamunoita.”
  217. Uye isa chivimbo kuna samasimba, vane tsitsi dzose
  218. Avo vanokuona (Muhammad (SAW)) paunosimuka (kuti unamate usiku Tahajjud)
  219. Uye zvaunoita uri pakati peavo vanopfugama (kunaAllah muminamato mishanu yepazuva)
  220. Zvirokwazvo, ivo ndivo vanonzwa zvikuru, vanoziva zvese
  221. Ndingakuudzei here (imi vanhu) maererano neavo maShayaatween (anasatani) anoenda kwavari
  222. Vanoenda (maShayaatween) kune wese munyepi anotadza
  223. Vanoteerera (maShayaatween, uye vanovapa zvavanenge vanzwa zvakavanzika kubva kungirozi), uye vazhinji vavo vanyepi
  224. Uye vadetembi, vanhu vakarasika vanovatevera
  225. Hauoni here kuti vanotaura pamusoro penyaya dzese (vachirumbidza vanhu, vakanaka here kana kuti vakaipa) munhetembo dzavo
  226. Uye vanotaura izvo zvavasingaiti
  227. Kusara kweavo vanotenda (muIslaam) nokuita mabasa akanaka, uye vanorangarira Allah zvakanyanya, uye nekuzvidzivirira mushure mekunge vatadzirwa (vachipindura nenhetembo avo vadetembi vanotaura zvakaipa pamusoro peIslaam). Uye avo vanoita mabasa akashata vachaziva kuti vachapindurwa sei pavachapindurwa (magumo avo achange akaita sei)