25.The Criterion

  1. Vakakomborerwa (vakakura) ndivo vakatumira chipatsanuro (chezvivi uye zvakanaka) (Qur’aan) kumuranda wavo (Muhammad (SAW)) kuti ave muyambiri kune nyika yose (vanhu nemaJinn)
  2. Avo vane utongi hwematenga nenyika, uye havana (Allah) kutora mwanakomana (vana), uye havana mubatsiri muhutongi hwavo. Uye vakasika chinhu chose, uye vakachiera chiero chacho chakafanira
  3. Asi vakatora vamwe vanamwari vachisiya ivo, avo (vavanotora vachisiya Allah) hapana chavakasika, asi ivo vakasikwa, uye havakwanisi kuzvikuvadza pachezvavo uye kuzvibatsira (pachezvavo), uye havana simba rerufu (rekukonzera), kana (kupa) upenyu, kana kumutsa vafi
  4. Uye avo vasingatendi vanotaura kuti: “Iri (Qur’aan) harisi kusara kwemanyepo akawagadzira (Muhammad (SAW)), uye vamwe vakamubatsira paizvozvo. Asi zvirokwazvo vaita udzvanyiriri (zvitadzo) uye manyepo.”
  5. Uye vanotaura kuti: “Ingano dzavanhu vakare idzo dzaakanyora pasi, uye dzinodaidzirwa (dzinotaurwa) kwaari mangwanani nemasikati.”
  6. Taura (Muhammad (SAW)) kuti: “Rakadzikiswa (Qur’aan) neavo vanoziva zvakavandika mudenga (kudenga) uye panyika. Uye zvirokwazvo, vanoregerera zvikuru, uye vane tsitsi dzose.”
  7. Uye vanotaura kuti: “Mutumwa rudzii uyu (Muhammad (SAW)) anodya chikafu, uye anofamba mumisika? Sei pasina (kusina) kutumwa ngirozi kuti ive naye semuyambiri?”
  8. “Kana (kuti) sei hupfumi husina kupihwa kwaari? Kana sei haana bindu iro raanodya (chikafu) kubva kwariri?” Uye vatadzi vanotaura kuti: “Muri kungotevera murume uyo akaroiwa.”
  9. Tarira (Ona) mapiro avanokupa mifananidzo (mienzaniso), asi vakarasika, uye havawani nzira (yakatwasuka)
  10. Vakakomborerwa (vakakura) ndivo avo, kana vachida, vachakugadzirira (chinhu) chakanaka kudarika icho, mapindu awo ane nzizi dzinoerera pasi pawo (Paradhiso) uye vachakugadzirira dzimba dzakanaka (muParadhiso)
  11. Asi vanoramba nguva (zuva rekutongwa), uye takavagadzirira moto (Gehena) avo vanoramba nguva (zuva rekutongwa)
  12. Kana iro (Gehena) richinge ravaona kubva kuchinhambwe chiri kure, vachanzwa kutsamwa kwaro uye kukuma kwaro
  13. Uye kana vachinge vakandwa panzvimbo yakamanikana mukati maro (Gehena) vakasungwa nengetani, vachechema ipapo ipapo kuti vaparare
  14. (Vachaudzwa kuti): “Musachemera kuparara kamwe muzuva ranhasi, asi chemerai kuparara kazhinji.”
  15. Taura (Muhammad (SAW)) kuti: “Zvakanaka here izvi kana kuti bindu rekugara zvachose (Paradhiso) iro rakavimbiswa avo vatsvene?” Richave (Paradhiso) kwavari mubairo uye magumo
  16. Vachawana mariri zvose zvavanoda, uye vachagaramo zvachose. Ichi chivimbiso chechokwadi kubva kuna Tenzi vako chichaiitika
  17. Uye zuva iro ravachavaunganidza pamwe neizvo zvavanonamata vachisiya Allah, uye vachataura kuti: “Makaita kuti varanda vangu ava varasike here, kana kuti ivo vakarasika pachawo kubva munzira (yakatwasuka)?”
  18. Vachataura kuti: “Kurumbidzwa kwese ndekwenyu! Zvaive zvisina kukodzera kwatiri kuti titore vabatsiri kusara kwenyu. Asi makavapa rugare ivo namadzibaba avo kusvikira vakanganwa yambiro, uye vakava vanhu vakarasika.”
  19. Saka zvirokwazvo vachakurambai (vanamwari venhema) mune izvo zvamunotaura (kuti ndaanamwari), uye hamuzvokwanisi kuzvidzivirira (kubva kumutongo), kana kuwana rubatsiro. Uye uyo anoita udzvanyiriri pakati penyu, tichamuita kuti aravire murango wakakura (wakaomarara)
  20. Uye hatina kutumira iwe usati wavapo (Muhammad (SAW)) vatumwa, kusara kwekuti zvirokwazvo vaidya chikafu uye vaifamba mumisika. Uye takaita kuti vamwe venyu vave miedzo kune vamwe. Muchatsungirira here? Uye Tenzi vako vanoona zvese
  21. Uye avo vasina tarisiro yekusangana nesu (avo vanoramba zuva rekutongwa) vakati: “Seiko ngirozi dzisingatumirwewo kwatiri? Kana seiko tisingaone Tenzi vedu?” Zvirokwazvo, vanofunga kuti ndivo vanhu vepamusoro, uye vanhu vakazadzwa nekuzvitutumadza
  22. Zuva iro vachaona ngirozi, hakuna mashoko akanaka pazuva iroro kune avo maMajrimoon (vatadzi). Uye (ngirozi) dzichati: “Mashoko ese akanaka arambidzwa kwamuri.” (Hakuna achabvumidzwa kupinda Paradhiso kunze kweuyo akati: Laa ilaaha illaa illaah (Hakuna chimwe chinhu chine kodzero yekunamatwa kusara kwaAllah) uye akatevedzera mitemo yose
  23. Tichaenda kumabasa ose avakaita (vasingatendi, vatadzi), uye tichave tinoita kuti ave kunge guruva rakaparadzirwa
  24. Vagari vemuParadhiso musi uyo vachange vari munzvimbo yakanaka yekugara, uye nzvimbo yakanaka yekuzorora
  25. Uye (rangarirai) zuva iro apo denga richapatsanurwa nemakore, uye ngirozi dzichave dzinoburutswa dzakawanda, kuburutswa kwakanaka
  26. Humambo hwose hwechokwadi pazuva iri huchange huri wenyanzvi yetsitsi (Allah), uye richave zuva rakaoma kune avo vasingatendi (muIslaam)
  27. Uye (rangarirai) zuva iro mudzvanyiriri (mutadzi) paacharuma maoko ake, achataura kuti: “Aaa! Dai ndakatora nzira namutumwa (Muhammad (SAW)).”
  28. “Aaa! Matambudziko kwandiri! Dai ndisina kutora nhingi nanhingi seshamwari yangu yepedyo!”
  29. “Zvirokwazvo akave anondishevedzera kure kubva kurangaridzo (Qur’aan) mushure mekunge yauya kwandiri. Uye Shaytwaan (Satani) munyengedzi wevanhu anotiza panguva iyo yekuda rubatsiro.”
  30. Uye mutumwa (Muhammad (SAW)) achati: “Tenzi vangu! Zvirokwazvo, vanhu vangu vari kusiya Qur’aan (havasi kuteerera Qur’aan).”
  31. Nekudaro takave tinoita mutumwa wese ave nemuvengi kune avo vanotadza. Asi Tenzi vako vanokwana semutungamiri uye mubatsiri
  32. Uye avo vasingatendi vanotaura kuti: “Seiko Qur’aan risingadzikiswi kwaari kamwe chete?” Nokudaro (rinodzikiswa muzvidimbu) kuti tive tinosimbisa hana yako. Uye tinoridzikisa kwauri zvishoma-zvishoma, nguva nenguva. (Rakadzikiswa kuna Muhammad (SAW) mumakore makumi maviri nematatu
  33. Havambokwanise kukupa muenzaniso (wekupikisa kana kutsvaga zvimhingamupini kwauri kana kubva muQur’aan), asi tinokudzikisira chokwadi uye tsanangudzo yakazara
  34. Avo vachaunganidzwa muGehena nezviso zvavo, ichi chichave chidanho chakashata, uye kurasika kwakanyanya kubva munzira (yakatwasuka)
  35. Zvirokwazvo, takave tinopa Musa, Gwaro (Torah), uye takamupa mukoma wake Haaroon (Aroni) semubatsiri wake
  36. Uye takataura kuti: “Endai imi vaviri kune vanhu avo vakaramba zviratidzo zvedu.” Uye takave tinovaparadza zvachose
  37. Uye vanhu vaNowa pavakaramba vatumwa, takavanyudza (nemafashamu), uye takavaita muenzaniso kuvanhu vose. Uye takave tinogadzirira avo vanoita mabasa akashata marwadzo akaoma
  38. Uye vanhu veAad neveThamood, uye avo vaigara munzvimbo inonzi Ar-Rass, uye mapoka mazhinji evanhu aive pakati pavo
  39. Uye mumwe nemumwe (pakati pavo) takamuisira mienzaniso (sehumboo), uye umwe neumwe (pakati pavo) takave tinovaparadza zvachose
  40. Uye zvirokwazvo, vanopfuura muguta (revanhu vaLoti) rakanaya mvura yemarwadzo. Avo vasingatendi havana kuriona here? Kwete! Asi vange vasina vimbo kuti vachamutswa
  41. Uye vakakuona (Muhammad (SAW)) vanongokubata zviya zvekudzikisira (zvekunyomba) (vachitaura kuti): “Uyu ndiye munhu akatumwa naAllah semutumwa here?”
  42. “Zvirokwazvo, ange aripedyo kutirasisa kubva muvanamwari vedu, dai kusiri kuti takaramba takatsungirira uye takashinga mukuvanamata!” Asi pavachaona marwadzo, vachaziva kuti ndeupi akanyanya kurasika kubva munzira (yakatwasuka)
  43. Hauna kuona here (Muhammad (SAW)) uyo munhu akatora zvido zvake samwari wake? Saka ungave mumiriri wake here (Ungave mutariri wake here)
  44. Kana unofunga here kuti vazhinji vavo vanonzwa kana kunzwisisa? Vakangofanana nemombe, asi vakatonyanya kurasika kubva munzira tsvene (vakatonyanya kurasika kupinda mombe)
  45. Hauna kuona here kuwarirwa kunoitwa mumvuri naTenzi vako? Dai vaida, vaingourega wakamira kudaro, asi vakaita kuti zuva rive mutungamiri wavo (mumvuri unofamba nezuva)
  46. Uye tinoudzora kwatiri zvakavanzika pashoma nepashoma
  47. Uye ndivo (Allah) vanoita kuti usiku huve chiputiro chenyu, uye kurara kuti muve munozorora, uye vanoita zuva kuti muve munomuka (muzvishandire)
  48. Uye ndivo vanotumira mhepo sechiratidzo chezvinhu zvakanaka pamberi petsitsi dzavo (mvura). Uye tinodzikisa mvura yakanaka (yakachena) kubva kudenga
  49. Kuti tive tinopa upenyu kuvhu rinenge rakafa (raoma), uye tinopa (mvura) yokunwa kune mombe nevanhu avo vatakasika
  50. Uye zvirokwazvo tinova tinogova (mvura) kwavari kuti vagove vanorangarira (nyasha dzaAllah), asi vanhu vazhinji havatambiri kunze kwekusatenda
  51. Uye dai taida, taiisa muyambiri muguta roga-roga
  52. Saka usateerere avo vasingatendi, asi simbirira mavari (nekuparidza shoko raAllah) nekupikirira kukuru naro (Qur’aan)
  53. Uye ndivo vanoita kuti nyanza mbiri (dzine mvura yakasiyana-siyana) kuti iyi yakachena uye inotapira, uye iyi ine munyu uye inovava. Uye vakave vanoisa muganhu uye nechivharo chizere pakati padzo (zvekuti hadzisanganisani)
  54. Uye ndivo vakave vanosika munhu kubva kumvura, vakave vanomusarudzira hukama hweropa, uye hukama hwekuroorerana. Uye Tenzi vako vane masimba ose
  55. Uye vanonamata zvimwe zvinhu zvisiri Allah izvo zvisingavabatsiri kana kuvakuvadza, uye munhu asingatendi mubatsiri (wasatani) pana Tenzi vake
  56. Uye takakutuma (Muhammad (SAW)) kuti uve mupi wemashoko akanaka uye muyambiri chete
  57. Taura kuti: “Handisi kuda mubhadharo kubva kwamuri weizvi, kusara kwekuti uyo anoda atore nzira yekuna Tenzi vake.”
  58. Uye iva (Muhammad (SAW)) unovimba neavo vanorarama hupenyu usingaperi vasingafi, uye varumbidze rumbidzo yavo, uye ndivo voga vakakwana (hapadi umwe semubatsiri), vanoziva zvitadzo zvevaranda vavo
  59. Uyo vakasika denga nenyika nezvose zviri pakati pazvose mumazuva matanhatu. Uye vakakwidza vakave pachigaro chehumambo (nenzira iyo inoenderana nehushe hwavo (Allah)). Mupi wetsitsi. Saka vabvunze (Allah), sezvo vachiziva zvose
  60. Uye pazvinonzi kwavari: “Pfugamai (nehuso hwenyu) kune mupi wetsitsi!” vanotaura kuti: “Chii ichocho mupi wetsitisi? Tingapfugama (Muhammad (SAW)) kune izvo zvaunotiudza?” Uye izvi (kuzvitutumadza kwavo) kunovawedzera kurasika chete
  61. Vakakomborerwa ndeavo (Allah) vakaisa nyenyedzi mudenga, uye vakaisa mwenje mukuru (zuva) mariri, uye mwedzi unopa chiedza
  62. Uye ndivo vanoita kuti usiku uye masikati zvive zvinoteverana, kune uyo anoda kurangarira (Tenzi vake), uye uyo anoda kuratidza kutenda kwake
  63. Uye varanda vemupi wengoni (Allah) ndeavo vanoti pavanofamba munyika vanofamba vakazvininipisa, uye vanhu vakarasika vakavataudza (nemashoko akaipa) vanoti: “Rugare! (Vanopindura nemashoko akanaka).”
  64. Uye neavo vanopedza usiku hwose vachinamata Tenzi vavo, vachipfugama, uye vakamira
  65. Uye avo vanotaura kuti: “Tenzi vedu! Ivai munotidzivirira kumarwadzo ekuGehena. Zvirokwazvo, marwadzo arwo (Gehena) marwadzo asingaperi.”
  66. Chokwadi iyi ndiyo nzvimbo yakashata kugara nekuzororera
  67. Uye avo vanoti kana vachishandisa hupfumi hwavo, havatambisi uye havaomere, asi vanoshandisa nenzira iri pakati nepakati panzira mbiri (Kutambisa nekuomera)
  68. Uye avo vasingadani vamwe vanamwari pamwechete naAllah, uye havauraye munhu uyo Allah wavakarambidza kusara pane chinangwa chakakodzera, uye havaite chehupombwe. Uye uyo anoita izvi achawana murango (unorwadza)
  69. Marwadzo achapamidzwa kaviri paari pazuva rekutongwa, uye achagaramo akadzikisirwa (achinyadziswa)
  70. Kusara kweuyo anokumbira ruregerero (anoita Taubah) uye otenda (muhumwechete hwaAllah), uye oita mabasa akanaka. Ava Allah vachachinja zvitadzo zvavo zvova mabasa akanaka, uye Allah vanoregerera zvikuru, uye vane tsitsi dzose
  71. Uye uyo anokumbira ruregerero uye oita mabasa akanaka, zvirokwazvo, anokumbira ruregerero rwaAllah nekumbiro yechokwadi
  72. Uye avo vasingapi uchapupu hwemanyepo, uye vakadarika nepari kutaurwa zvakashata kana pari kutambwa zvakashata, vanodarikapo vane rukudzo
  73. Uye avo vokuti kana vakarangaridzwa mashoko aTenzi vavo, havaite sekunge vasinganzwi (vanamatsi) kana mapofu kwaari
  74. Uye avo vanotaura kuti: “Tenzi vedu! Isai matiri runyevenuko rwemeso edu pavakadzi vedu uye vana vedu, uye tiitei vatungamiriri veavo vanotya Allah.”
  75. Avo vachapiwa mugove wenzvimbo yepamusoro-soro muParadhiso nokuda kwekutsungirira kwavo. Varimo vachasanganikwa navo nekwaziso uye mashoko erugare uye rukudzo
  76. Vachagaramo (zvisingaperi). Inzvimbo yakanaka yokugara uye nzvimbo yokuzororera
  77. Taura kuti (Muhammad (SAW) kune vasingatendi): “Tenzi wangu vanotarira kwamuri nokuda kwekuita kwenyu maDua (Minamato) kwavari. Asi zvino mavaramba. Saka murango uchava wenyu zvachose.”